News >> Breaking News >> Kwayedza
Liberty Dube MWANA wemakore masere okuberekwa akauraiwa negirinedhi (grenade) iro rakaputika paaitamba naro nevamwe vake vachifunga kuti raive bhora kuBuhera nguva pfupi yadarika. Tinevimbo Seven (8) aitamba naTadiwanashe Seven (14) apo girinedhi ravakanga vanhonga vachifunga kuti ibhora rakaputika. Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Norbert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi. Insp Muzondo vanoti Tinevimbo akakuvara zvakaipisisa pachipfuva […]
MAKADII veKwayedza? Ndiri mukadzi ane makore 31, ndinotsvagawo murume anoda zvemba ari mupositori wekumasowe. Ndiri HIV+, andifarira number dzangu 0777 161 359. ********************************* Makadii veKwayedza? Ini ndiri murume ane makore 35 anoshanda uye ane vana 2, ndodawo mudzimai ane makore 25 zvichikwira anogeza. WhatsApp number dzangu +27 768 867 778. ********************************* Makadiiko veKwayedza? Ndiri mukadzi […]
Abel Ndooka PREMIER Soccer League inoti zvikwata zvine vatsigiri vachabatwa nemhosva yekuita mhirizhonga kumitambo zvichabvisirwa zvibodzwa kana kubhadhariswa faindi inorwadza, pakati pezvimwe zvirango. Achitaura neKwayedza svondo rino apo mitambo yePSL iri kutarisirwa kudzoka zvichitevera kumbomiswa kwayakaitwa svondo radarika nekuda kwemhirizhonga, mutauriri wePSL, Kudzai Bare anoti kune matanho akawanda avakakurukura nezvawo svondo radarika ayo vari kuendesa […]
Abel Ndooka SHASHA yetsiva yechidzimai ari iye zvakare ane bhande eWBC Interim Champion – Kudakwashe Memory “Take Money” Chiwandire – ari kugara musango apo ari kusimbaradza gadziriro dzekurwira kuchengetedza bhande iri munaNyamavhuvhu. Zvichitevera kukunda kwaakaita Cathrine Phiri wekuZambia nguva yadarika ndokubva ahwina bhande iri, vatambi vazhinji vekuMexico vari kuda chaizvo kurwa naChiwandire asi haasati asarudza […]
Muchaneta Chimuka NYIKA yeIndia yakapa rubatsiro rwemichina misere yekuchera zvibhorani, matirakita 20 uye muchina unokukura mavhu kana zvinorema (excavators) kubazi reZINWA. Midziyo iyi vakaitambidzwa kumahofisi avo ari muHarare negurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Jongwe Masuka. “Vanhu 11 miriyoni vemuZimbabwe vachava nemikana yekuwana mvura yakachena kumaruwa nekuda kwemichina iyi. Vanasikana nemadzimai vachange […]
Kingstone Mapupu MHURI yekuZvishavane kudunhu reMidlands inonzi yakasvikirwa pamba mambakwedza nembavha nhatu dzaiva dzakapakata pfuti ndokubirwa motokari nemari izvo zvose zvinokosha US$8 000. Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa16 Chivabvu. Vanoti VaTakura Muwondori (39) nemhuri yavo vemurukisheni rweIzaya Park vainge varere apo makororo aya akavhura gonhi nechisimba vachishandisa chombo […]
Muchaneta Chimuka SUSAN (13) (handi zita rake rizere) mwanasikana uyo atovawo nemwana wake. Zvinoreva kuti zvakawanda zvinenge zvave kutarisirwa naiye sekuriritira mhuri, kubika, kuwacha nezvimwe zvisinei nekuti anofanirwa kunge ari kuchikoro achifunda nevamwe. Mwana ane makore 13 okuberekwa anotarisirwa kunge ari kuita Form 1 asi kuna Susan hazvina kuita sekudaro sezvo akamitiswa nemukomana wake ane […]
Abel Zhakata MUNYAYA yemhirizhonga yemudzimba inoshamisa, muzvinabhizimisi wekwaMutasa kuManicaland, uyo ari pakati pekuramba mudzimai wake, anonzi akamupisira muimba yekubikira achibatsirwa nemushandi wake. Mushakabvu Joyce Surudzo, anonzi ange achiramba kubuda muimba yewanano yavo achimirira kupera kwenyaya yekudamburwa kwemuchato iyo iri kudare guru reHigh Court apo murume wake anonzi akamupisira mumba. Henry Elijah Surudzo (30) wekuWatsomba akatosungwa […]
Kingstone Mapupu VARIMI vefodya vanoyambirwa kuti vasashandise magrowers numbers evamwe pakutengesa chirimwa ichi kumisika kuburikidza nenzira inonyanya kuzivikanwa nekuti “kuberekana” sezvo izvi zviine njodzi yekuti vanoguma vabirwa mari dzavo nekuda kwekuti inoendeswa kumabhanga asiri avo. Yambiro iyi yakapihwa naMuzvare Rudo Boka vanova chamangwiza weBoka Tobacco Auction Floors pagungano revarimi vefodya rakaitirwa kuGwiwa, kudunhu raMambo Mujinga […]
Kingstone Mapupu MADZIMAMBO ekudunhu reMashonaland West vabatana nemakambani nemasangano akazvimirira anoona nezvekurima mukusimudzira mabasa ekurimwa kwemumapindu nezvimwe zvirimwa. Mambo Chundu, VaAbel Mbasera, vekuHurungwe naMambo Ngezi, VaPeter Pasipamire – avo vanova sachigaro wemadzimambo kuMashonaland West – vanoti vakabatana nemakambani mukusimudzira kurimwa kwembesa diki. Mambo Chundu vanoti danho iri riri kubatsira zvikuru munyaya dzekusimudzira mabasa ekurima. “Dunhu […]
Kingstone Mapupu MURUME wekuSomabula, pedyo nedhorobha reGweru kudunhu reMidlands, anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova netambo achimupomera mhosva yekuti aiita chipfambi nevamwe varume vemunharaunda iyi. Nyaya iyi inonzi yakaitika husiku hwemusi wa16 Chivabvu papurazi reKopje riri kuSomabula. Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko vanoti Blessing Dlangisa (35) anonzi akaponda mudzimai wake Violet Dube (27) nekumurova netambo […]
Tendai Gukutikwa MHURI yekuNyanga kuManicaland, iyo yagara ichishungurudzwa nemweya wemunhu akafa uyo aiva murwi wehondo yerusununguko kuburikidza nekuonekwa kweruoko rwusina munhu urwo rwunovabvutira mugoti pakubika sadza uyewo nepakudya, inonzi yazobatsirwa. Josphat Mapfidza ange atotizwa nemhuri yake ndokusara ogara oga pamusha nekuda kwemashiripiti aya. Zvisinei, mhuri yake yakazodzoka pamusha mushure mekunge Mapfidza aripa mombe sere kumhuri […]
Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 97 ekuberekwa pamwe nemwanakomana wake vekwaMambo Marange, kwaMutare vachenurwa panyaya dzehuroyi idzo vaipomerwa vachinzi vari kukonzera kufa kwevanhu vemumhuri yavo. Sekuru Timothy Mutsago nemwana wavo Blessing Mutsago, uyo anogara kuHarare, vachenurwa nedare raMambo Marange mushure mekunge zvaonekwa kuti ndufu nhatu dzakaitika mumhuri yavo munguva pfupi yadarika dzainge dzisina kukonzerwa naivo. […]
Liberty Dube MURUME wekuHonde Valley – uyo akazviita mukadzi zvekusvika pakuroorwa nemumwewo murume kwemwedzi 16 – anonzi akabvisirwa US$200 semari yeroora. Morris Samuchena akazviita Emily Muswere ndokuzodanana “nemurume wake” Andrew Chafa-Sambani. Zvakabudawo zvakare kuti Morris akatora roora rake reUS$200 oga panguva yemabiko ekumutambira kumhuri yekwaChafa-Sambani. Kusiyana nemaitiro akajairwa kuti muroora mutsva anoperekedzwa nehama dzake kjumurume, […]
Kingstone Mapupu MURUME wemakore 37 okuberekwa wekwaMambo Chireya kuGokwe anonzi akabaiwa nebanga ndokufa mushure mekunge atsiura varume vaviri vanova mukoma nemunin’ina kuti sei vainwa doro parufu apo aiparidza nevamwe vake. Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kuMidlands, vanoti nyaya iyi yakaitika masikati emusi wa15 Chivabvu. “Nemusi uyu, Tapiwa Ziyambi (37) aiva nevanin’ina vake vanoti […]
Abel Ndooka VATSIGIRI venhabvu vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya dzemhirizhonga dziri kuitika kumitambo yakasiyana izvo zvakazokonzeresa kuti Premier Soccer League itore danho rekumisa mitambo yose yeCastle Premiership. Svondo radarika kunhandare yeBarbourfields, kuBulawayo pamutambo weDynamos neHighlanders, vatsigiri vakapinda munhandare ndokutanga kubvarura mambure epagedhi pamwe nekuda kudzura mapango acho uye vamwe vachinorwisa varidzi vepembe. Mutambo uyu wakazomiswa […]
Abel Ndooka HUTUNGAMIRI hweNorthern Region Division One hwazivisa kuti mitambo yenhabvu yange yambomiswa kuitira kuti patambwe Axis Solutions Super 8 Tournament ichasimudzira nemusi wa4 Chikumi. Pakamiswa mitambo iyi mwedzi wadarika, Golden Eagles ndiyo yange ichitungamira palog iine zvibodzwa 32 kubva pamitambo 16 yakatambwa. Herentals U20 yaive panhamba yechipiri nezvibodzwa 34 kuchiti pechitatu pakagarwa neSimba Bhora […]
Kingstone Mapupu VARIMI vembambaira vari kukurudzirwa kukohwa zvirimwa zvavo nenzira chaidzo vachitevedzera zvinodiwa mukudzichengetedza munguva ino yemwaka wechando. VaTrust Sakupinda (43) vanorima vari mumusha weHatfield muguta reHarare vanoti mbambaira dzakakosha zvikuru kana kuchitariswa nyaya dzeutano uye kudhura kwava kuita chingwa. “Varimi tine basa guru rekuwanisa nyika kudya saka ibasa redu rekuona kuti zvirimwa zvedu tazvikohwa […]
Muchaneta Chimuka KAMBANI huru pakuuchika mbeu yeSeed Co, izere nekusuwa zvichitevera kufa kwaDr Ephraime Kudzaishe Havazvidi, avo vakasimudzira mabasa ekurima zvakanyanya munyika muno kuburikidza nekuuchika mbeu dzinosanganisira yekutanga yegorosi. Varimi vakawanda, kunyanya wegorosi vakava nekusuwa kukuru svondo rapera apo vakaziva nezvekushaika kwemhare Dr Havazvidi. “The Wheat Breeding Community uye kambani yeSeed Co tiri kurwadzikana zvikuru […]
Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu Knowledge Musona nhasi asendeka shangu dzake dzekutambira chikwata chenyika cheZimbabwe Warriors. Pachinyorwa chaatumira, Musona uyo ange ari mutungamiri wevatambi vemaWarriors ati ave kusiya kuti ape nguva kuchikwata chake cheAl-Tai pamwe nekupa vamwe vatambi mukana wekutambirawo maWarriors. “Mhuri yeZimbabwe, nhasi ndokuzivisai kuti ndamira kutambira chikwata chedu chenyika chemaWarriors. Danho iri handina kuritora […]
Muchaneta Chimuka HURUMENDE yapinza mabasa varairidzi vanosvika 3 904 uye mazita avo achashambadzwa mubepanhau reThe Herald. Mashoko atumirwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari anoti varairidzi ava vanotarisirwa kuti vaende kumahofisi edzidzo ari kumadistricts nekukasika. Zvakawanda zviri kutevera.
Abel Ndooka MAKUWERERE kuNewlands Country Club, muguta reHarare nhasi uko kambani huru mune zvenhau yeZimbabwe Newspapers (Zimpapers) ichaparura terevhizheni yayo. Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – ndivo vari kutarisirwa kuva muyenzi mukuru pakuparurwa zviri pamutemo kweZimpapers Television Network (ZTN) Prime. Head of production kuZTN, Rudo Tammy Hove, anoti terevhizheni iyi ichange ichibuda paDStv […]
Sukulwenkosi Dube-Matutu VANHU vasere vanonzi vakafa nekuda kwemoto wesango uyo wakaparadza zvakare midziyo inokosha US$370 837 gore rapera. Izvi zvakaziviswa nebazi reEnvironmental Management Agency (EMA) iro rinoti moto wesangano wakaparadza zvakanyanya muna2021 kana zvichienzaniswa nemamwe makore adarika. Mahekita anodarika 1 miriyoni anonzi akaparadzwa nemoto uyu kana zvichienzaniswa ne806 000 akaparadzwa muna2020. Nyaya dzakamhan’arwa mugore ra2021 […]
Samuel Kadungure DUNHU rekwaMutasa riri kuManicaland rinonzi rakatarisana nedambudziko guru rekunyuka kwechirwere chegwirikwiti zvichitevera kufa kwevana 23 nedenda iri mukati memavhiki maviri adarika. Kusvika pari zvino, vana 132 vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa uye vezveutano vane hurongwa kwekubaya nhomba dzekudzivirira chirwere ichi kuvana vanosvika 78 000 vemudunhu iri. Chirongwa chekubaiwa kwevana nhomba ichi chinonzi […]
Abel Ndooka PREMIER Soccer League inoti yambomisa mitambo yose yenhabvu yeCastle Premiership nekuda kwemhirizhonga iyo iri kukonzera kuti mimwe mitambo isapere zvakanaka. Danho iri rinotevera mhirizhonga yakaitika kunhandare yeBabourfields kuBulawayo nemusi weSvondo pamutambo weHighlanders neDynamos izvo zvakaona mutambo uyu uchitadza kupera. Muchinyorwa, chamangwiza wePSL – Kennedy Ndebele – anoti vamisa mitambo zvichitevera kuwanda kwenyaya dzemhirizhonga. […]
Malven Mugadzikwa CHITUNHA chemurume aive mukorokoza achigara kuWard 13 papurazi reSelby Farm riri kuMazowe, uyo anofungidzirwa kuti akafa mushure mekunge aisirwa muchetura muchikafu nevamwe vake, chinonzi chakachema apo chakapedza mazuva matatu chiri mumba chisati chavigwa. Zvinonzi Wilson Mashonganyika (33) akafa mushure mekurwara kwenguva pfupi apo anonzi aichema nemudumbu uye achirutsa zvakanyanya. Wilson anonzi akatanga kurwara […]
Kingstone Mapupu MURUME anonzi Prophet Talent Madungwe zvakatomuomera. Vamwe vanoti kana otaura hanzi “Ma1 aye atanga”, vamwewo vachiti pfungwa dzemurume uru dzakatamba nepwere kana kuti “dzinombonyimana moto”. Asi iye anongoti zvaanotaura ichokwadi uye vaya vasingamutende vachabvuma nerimwe ramazuva. Madungwe, wechechi yeReminant Desire of All Nations Ministries iri muguta reHarare, anozivikanwa nekuzviti anoita matare kana kuti […]
Kingstone Mapupu MAPURISA ekuBeatrice kuMashonaland East vasunga vanhu vapfumbamwe nemhosva dzekuba mombe dzinokwana 66 dzichikosha US$26 400. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii vanoti mukati memombe dzakabiwa idzi, 37 dzakawanikwa dziri mhenyu kunzvimbo dzakasiyana kwadzaiva dzatengeswa nekuvigwa. “Tine varimi vashanu vekumapurazi ekuBeatrice nekumwewo vakabirwa mombe dzavo dzinokwana 66 nemakororo mapfumbamwe ayo ainodzitengesa kunzvimbo […]
Liberty Dube MURUME wekwaMutare anonzi akauraya mudzimai wake mushure mekumubaya-baya nepfumo rakareba chidimbu chemita muviri wose achimupomera kuita zvechipfambi. Taurai Mukono (48) anonzi akaura Rita Kanoyangwa (39) apo vaive kumba kwavo kuGimboki, kuDangamvura nemusi weSvondo wadarika. Mukono anonzi akabaya Rita nepfumo kakawanda muviri wose apo vana vavo vaiona amai vavo vachibuda ropa rakawandisa. Rita akasara […]
Ray Bande VANHUKADZI vakawanda vanonzi vari kutsvaga nzira dzekusimbisa musana kana kuvandudza nyaya dzepabonde kuburikidza nekudya mishonga yevhuka-vhuka inosanganisira masiwitsi anozivikanwa nekunzi “Indian Sweets” ayo ari kutengeswa sechingwa chinopisa mudunhu reManicaland nekumwe muZimbabwe. Kare, vanhurume ndivo vainyanya kuzivikanwa nekunwa pamwe kudya mishonga yevhuka-vhuka asi pari zvino vanhukadzi vave kuita zvimwe chetezvo. Zvisinei, vazhinji vevari kutenga […]
Ray Bande VANA vanosvika 612 avo vakanyora bvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) muna2021 muzvikoro zvakasiyana mudunhu reManicaland vakadadisa apo vose vakabuda nema”A” mashanu zvichikwira. Zvakanyorwa mubvunzo idzi zvakaburitswa svondo rapera apo chikoro cheSt Faith’s High School chiri kwaMakoni chakatungamirira semakore ose nevadzidzi 108 vakabuda nemaA mashanu muzvidzidzo zvishanu zvichikwira ukuwo St David’s Bonda […]
Lovemore Kadzura MURUME wekwaRusape asungwa mushure mekunyepa kuti mwanasikana wake afa achizama kuda kubira kambani yeEcoSure mari inosvika $150 000. Esau Chara (50) wekuLongfield, kuHeadlands, uyo aimiririrwa negweta rake VaLeonard Chigadza vekambani yeChigadza and Associates, anobvuma mhosva yekuda kubira EcoSure $150 000 apo akamiswa mudare reRusape Magistrate Court svondo rapera. VaChigadza vakaudza dare kuti Chara […]
Kwanele Khumalo naNomthandazo Masuku MURAIRIDZI wepachikoro cheFilabusi High School anonzi haazi kuzivikanwa kwaari sezvo akapedzisira kuonekwa nemusi weChishanu chadarika apo aive akadhakwa. Creedence Sakhile Ncube anonzi akapedzisira kuonekwa ari panzvimbo yeFilabusi Business Centre. Anonzi aive akadhadkwa ari mumotokari yake chena yerudzi rweMazda Demio ine nhamba dzinoti AFO 5703. “Hapana ati amuona pamwe nemotokari yake kubvira […]
Muchaneta Chimuka BAZI rinoona nezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa rinozivisa veruzhinji kuti kupinzwa kwemhuka dzose dzine mahwanda kana zvinhu zvinogadzirwa kubva mumhuka idzi nezvipfuyo kubva kunyika yeSouth Africa kwambomiswa. Izvi zvinotevera kunyuka kwechirwere chemahwanda (food and mouth disease) kunyika yeSouth Africa. Chirwere ichi chinonzi chakaonekwa kumatunhu nemuminda yeveruzhinji iri kuFree State, KwaZuIu-Natal, Limpopo, North […]
NDIRI musikana ane makore 28, ndoda mukomana ane makore 30 – 36. Handidi ari pamushonga, ndatenda. Nhare yangu 0736 165 891. ********** Makadii veKwayedza? Ndiri mukadzi ane makore 24 ekuberekwa nemwana 1, ndinotsvagawo murume akavimbika wekugara naye asiri pamushonga. Nhare yangu 0716 118 706 ********** Makadii henyu? Ndiri mukomana ane makore 25, ndinotsvagawo musikana ane […]
Abel Ndooka SACHIGARO weZifa Northern Region Division One, Martin Kweza, oshora zvikuru mhirizhonga yakaitika kunhandare yeWadzanai kuShamva svondo radarika izvo zvakaona vatambi veSimba Bhora FC neChegutu Pirates vachirwa mumutambo weAxis Solutions Super 8 Tournament. Zvimbokoma izvi zvakaitika mushure mekunge Simba Bhora yatungamira mumutambo uyu watambwa maminitsi masere izvo zvakazoona Constantine Tinapi weSimba Bhora naLewis Milanzi […]
Abel Ndooka VARAIRIDZI nevatsigiri venhabvu votambira nemufaro mukuru draw rekurwira kuenda kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon) 2023 iro rakaona Zimbabwe ichiiswa muboka Group K pamwe chete neMorocco, South Africa neLiberia. Muboka iri muri kutarisirwa kubuda zvikwata zviviri zvichaenda kumutambo mukuru wenhabvu wemuAfrica uyo uchatambirwa kuIvory Coast gore rinotevera. Murairidzi wenhabvu ane mukurumbira, Luke ‘Vahombe’ […]
Malven Mugadzikwa VECHIDIKI vanokurudzirwa kuti vapinde munyaya dzekurima nezvimwe zvikamu zvakakosha mubudiriro yeZimbabwe izvo zvinoenderana nechirongwa chekusimudzira upfumi hwenyika cheNational Dvelopment Strategy 1 (NDS1) Kurudziro iyi iri kupihwa naBrigadier General Morgan Mzilikazi mushure mekuparura bhuku ravo rechina rinonzi “Africa Awakening Volume IV, Nehanda Charwe Nyakasikana”. Vanoti bhuku iri rinobatsira kunyanya vechidiki kuti vazive kukosha kwechivanhu […]
Muchaneta Chimuka ZIMBABWE National Statistics Agency (Zimstat) inoti chirongwa chekuverengwa kwevanhu munyika chichaitwa kubva musi 21 kusvika 30 Kubvumbi. Mukushi wemashoko kuZimsat, Muzvare Mercy Chidembo, vanoti vakadzidzisa vanhu vanodarika 40 000 vachaita basa rekuverenga vanhu kumativi ose enyika pamwe chete nemasupervisor anosvika 7 000. Vanoti vari kuita basa rekuverenga vanhu vachapihwa mari yavo nenguva. “Hatisi […]
Africa Moyo MAGWARO akakosha sezvitupa, ekuzvarwa pamwe neevanhu vanenge vafa uye michiso yemombe ari kupihwa pachena pasi pechirongwa chiri kuitwa pari zvino kumativi ose enyika cheNational Registration Blitz. Danho iri rinotevera kupindira kwakaita mutungamiriri wenyika President Mnangagwa mushure mekunge veruzhinji vakumbira kuti magwaro aya awanikwe pachena. Nzira dzekuti vanhu vakwanise kutora magwaro aya dzakanyevenutswa zvakare […]
Gibson Mhaka ZUVA raifanira kupera zvakanaka rakazoguma nekusuwa apo muchato wemuchivande wemukadzi anogara kuNketa 7, kuBulawayo wakamiswa asingafungire mushure mekunge murume wake azivisa muchatisi kuti achiri muwanano nemudzimai uyu. Izvi zvakaitika nemusi weChishanu wadarika padare apo vanhu vaivepo vakasara vasina neremuromo. Charles Ndlovu akaita firimu remahara apo akasvikopinda mudare chinguva chidiki mukadzi wake, Sithembelenkosini Ncube […]
Kingstone Mapupu MUSIKA mutsva weFarmers and Traders Market uyo unowanikwa munhandare yeZimbabwe Show Society (ZAS) muguta reHarare uri kuvandudza zvirimwa kuburikidza nekuzviomesa izvo zviri kubatsira varimi kuti vawane pundutso kubva mumabasa avo. VaMax Uzande Jnr (47) vanova munyori mukuru kumusika uyu vanoti vakaona kukosha kwekuomesa zvirimwa zvinosanganisira matomatisi, miriwo nemichero inosanganisira maguava nemango izvo zviri […]
Muchaneta Chimuka BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department (MSD) rinoti mvura iri kutarisirwa kuramba ichinaya kune dzimwe nzvimbo dzenyika kusvika nemusi weChina svondo rino. VaJames Ngoma, avo vanova head of forecasting kuMSD, vanoti kunze kunotarisirwa kunge kuchitonhorera uye kuchinaya mvura kune mamwe matunhu eZimbabwe. “Nyika ichange ichitonhorera pamwe nekunaya mvura kune mamwe matunhu kutanga […]
Kwanele Khumalo naNomthandazo Masuku MURAIRIDZI wepachikoro cheFilabusi High School anonzi haazi kuzivikanwa kwaari sezvo akapedzisira kuonekwa nemusi weChishanu chadarika apo aive akadhakwa. Creedence Sakhile Ncube anonzi akapedzisira kuonekwa ari panzvimbo yeFilabusi Business Centre. Anonzi aive akadhadkwa ari mumotokari yake chena yerudzi rweMazda Demio ine nhamba dzinoti AFO 5703. “Hapana ati amuona pamwe nemotokari yake kubvira […]
Thandeka Moyo-Ndlovu MURUME wekuBulawayo, uyo achangobva mukupika jeri, ari kutsvagwa nemaziso matsvuku nemapurisa eko achipomerwa kubaya mumwe murume nechigero achibva afa vachirwira shamwarikadzi. Murume uyu anogara murukisheni rweMabuthweni uye anonzi akabaya Sifelani Moyo anobva kuNgozi Mine kunzvimbo yeRichmond kaviri nechigero nenguva dzemanheru emusi weChipiri. Vagari vekuNgozi Mine vanonzi vakamuka vachiona mutumbi waMoyo nemusi weChitatu uye […]
Danisa Masuku MURUME wekuBulwayo uyo ane marambadoro akamiswa pamberi pemutongi wedare reWestern Commonage, Shepherd Mnjanja achitarisana nemhosva yekubata-bata magadziko pamwe chete nemazamu emumwe mukadzi pachiteshi chemabhazi pasina kuwirirana. Samson Dzepasi (35) ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi uye achatongwa achibva kumba mushure mekupihwa bhera. Dare rinoudzwa kuti nerimwe zuva, Dzepasi (35) akanga akadhakwa ndokutanga kukonzeresa […]
Lumbidzani Dima VARUME vekuLupane vari kukurudzira kuti mishonga yechivanhu yekusimbisa musana sevhuka-vhuka imborambidzwa kushandiswa sezvo vachiti iri kutowedzera kupararira kwehutachiona hutsva hweHIV. Zimbabwe, kuburikidza nesangano reNational Aids Council (NAC), iri mushishi kurwisa kuti ipedze dambudziko rekupararira kwehutachiona hutsva hweHIV panozosvika gore ra2030. Mushure mekuona kuti vanhurume vari kusarira kumashure panyaya dzeutano – kusanganisira HIV – […]
Kingstone Mapupu VAMWE vevarume vanogara kudzimba dzinozivikanwa nekuti kumaCABS kuBudiriro 5B Extension, muguta reHarare, vanonzi vowororwa nechipoko chemukadzi chinotenderera husiku munzvimbo iyi icho chavanoguma vave kutsvaga rudo kwachiri votowirirana. Nyaya yechipoko chemukadzi iyi inotevera kuwanda kwakaita makuva mukati medzimba idzi sezvo nzvimbo iyi yaimbova sango uye vanhu vaishanda papurazi apa vaiviga vafi vavo panzvimbo dzose-dzose. […]
Fungai Lupande ari kuSHAMVA MHURI yatezvara neyemukuwasha vekunzvimbo yeRed Dragon Mining Site kuWard 19, kuShamva yave nemazuva akawanda dzichirara panze zvichitevera kurohwa kwavari kuitwa nembama, kutemwa nematombo, kudirwa mavhu, kuitirwa weti kumeso uye kurasirwa midziyo panze nezvinhu zvavasingaone. Kunyangwe vemhuri mbiri idzi vakapotera kuvavakidzani, manenji aya anonzi ari kuvatevera ikoko. Izvi zvave kuita kuti vanhu […]
Mkhululi Ncube ZVINHU zvaita manyama amire nerongo pachikoro cheHojeni Primary School, kuNkayi kudunhu reMatabeleland North apo vadzidzisi vechidzimai vanonzi vari kutiza nechikonzero chekuti vari kuitwa vakadzi nezvidhoma zvavashaisa zororo. Zvidhoma izvi nezvimwe zvikara zvinosanganisira nyoka zvinonzi zviri kuonekwa pachikoro apa uye ndezvevagari vemumisha yakakomberedza izvo zvavanoshandisa kutsvagisa mari nehumwe upfumi. Vakuru vezvedzidzo kudunhu reMatabeleland North […]